1 Corinthians 14

Chipo chekuporofita chakanaka kupfuura chipo chendimi

1Tevererai rudo; mushuve zvikuru zvemweya, asi zvikurusa kuti muporofite. 2Nokuti anotaura nendimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi mumweya anotaura zvakavanzika. 3Asi anoporofita anotaura kuvanhu kuvaka nekurudziro nenyaradzo. 4Anotaura nendimi anozvivaka iye; asi anoporofita anovaka kereke. 5Ndinodawo kuti imwi mese mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; nokuti anoporofita mukuru kune anotaura nendimi, kunze kwekuti achidudzira, kuti kereke iwane kuvakwa. 6Asi ikozvino, hama, kana ndichiuya kwamuri ndichitaura nendimi, ndichakubatsirai nei, kunze kwekuti ndichitaura nemwi kana muchakazarurwa, kana muruzivo, kana muchiporofita, kana mudzidziso? 7Zvakadaro zvinhu zvisina upenyu zvinorira, kana nyere, kana rudimbwa, kana zvisingapi musiyano pamaririro, zvingazikanwa sei chinoridzwa nenyere kana kuridzwa rudimbwa? 8Nokutiwo kana hwamanda ichipa maungira asinganzwisisiki, ndiani angazvigadzira hondo? 9Saizvozvowo imwi, kana musingapi nerurimi shoko rakareruka kunzwisiswa, zvinotaurwa zvichazikanwa sei? Nokuti muchava vanotaura kumhepo. 10Ariko, kana zvingaitika, manzwi ane marudzi mazhinji zvakadai panyika asi hakuna rimwe risingarevi chinhu. 11Naizvozvo kana ndisingazivi zvinoreva inzwi, ndichava munhu werumwe rurimi kune anotaura, neanotaura munhu werumwe rurimi kwandiri. 12Zvakadaro nemwi, sezvamunoshingairira zvipo zveMweya, tsvakai kuti mupfuurise pakuvaka kereke. 13Naizvozvo anotaura nendimi ngaanyengetere kuti adudzire. 14Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu unonyengetera, asi fungwa dzangu hadzina chibereko. 15Zvino chii? Ndichanyengetera nemweya, uye ndichanyengetera nefungwawo; ndichaimba nemweya, uye ndichaimba nefungwawo. 16Kana zvisakadaro, kana uchivonga nemweya, uyo agere pachigaro cheasina kudzidza achati Ameni sei pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura? 17Nokuti zvirokwazvo iwe unovonga zvakanaka, asi umwe haavakwi. 18Ndinovonga Mwari wangu, kuti ndinotaura nendimi kupfuura imwi mese; 19asi mukereke ndinoda kutaura mashoko mashanu nefungwa dzangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pamashoko zvuru gumi nendimi. 20Hama, musava vana pafungwa; asi pazvakaipa muve vacheche, asi pakuziva muve vakuru. 21Pamurairo pakanyorwa kuti: Nedzimwe ndimi uye neimwe miromo ndichataura kurudzi urwu; kunyange zvakadaro havangandinzwi, anoreva Ishe. 22Naizvozvo ndimi ndedzechiratidzo, kwete kune vanotenda, asi kune vasingatendi; asi chiporofita hachisi chevasingatendi, asi chevanotenda. 23Naizvozvo kana kereke yese yaungana panzvimbo imwe, vese ndokutaura nendimi, vasina kudzidza kana vasina rutendo vakapinda, havati munopenga here? 24Asi kana vese vakaporofita, umwe asingatendi kana asina kudzidza ndokupinda, achatsiurwa nevese, aongororwe nevese; 25uye saizvozvo zvakavanzika zvemoyo wake zvinoratidzwa; saizvozvowo achawa nechiso achinamata Mwari, nekupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.

Zvese ngazviitwe nemutoo wakanaka mukereke

26Zvino chii, hama? Pega-pega pamunoungana, umwe neumwe wenyu ane pisarema, ane dzidziso, ane ndimi, ane chakazarurwa, ane dudziro. Zvinhu zvese ngazviitirwe kuvaka. 27Kana umwe achitaura nendimi ngazviitwe nevaviri, kana varege kupfuura vatatu, uye vachiravana, neumwe ngaadudzire. 28Asi kana pasina mududziri, ngaanyarare mukereke; uye ngaataure kwaari nekuna Mwari. 29Vaporofitawo ngavataure vaviri kana vatatu, nevamwe ngavatonge. 30Asi kana zvakazarurirwa umwe agerepo, wekutanga ngaanyarare. 31Nokuti mese mungaporofita umwe-umwe, kuti vese vadzidze, uye vese vakurudzirwe; 32nemweya yevaporofita inozviisa pasi pevaporofita. 33Nokuti Mwari haasi wenyonga-nyonga, asi werugare, sapamakereke ese evatsvene. 34Vanhukadzi venyu ngavanyarare mumakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi kuzviisa pasi, sezvinorevawo murairo. 35Kana vachidawo kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti chinyadzo kumunhukadzi kutaura mukereke. 36Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri mega here? 37Kana munhu achifunga kuti muporofita kana wemweya, ngaatende zvinhu zvandinonyora kwamuri, kuti mirairo yaIshe. 38Asi kana munhu asingazivi, ngaave asingazivi. 39Naizvozvo, hama, shingairirai kuporofita, musingadzivisi kutaura nendimi. 40Zvinhu zvese ngazviitwe nemutoo wakafanira uye zvichitevedzana.

Copyright information for Shona